Huwandu hweVana Vari Kuda Kupinda muAmerica Vachirambidzwa Hwawanda Zvikuru

Vana vanobva kuCentral America varikutsvaka hupoteri muAmerica

Huwandu hwevana vari kusvika pamuganhu weAmerica neMexico vari vega huri kukwira zuva nezuva, izvo zvave kukonzera kuti vamwe vati pava nedambudziko guru.

Asi hurumende yaVaJoe Biden inoti hapasati pave nedambudziko.

Mutauro pamusoro pezvekuita nevabvakure wave nemakore anopfuura makumi maviri pasina chakabuda kunyange hazvo mapato maviri, eDemocratic Party neRepublican Party, achiwirirana kuti pane zvinofanirwa kugadziriswa.

Mazana nemazana evana vasina vakuru vanovaperekedza ari kusvika zuva nezuva pamuganhu weAmerica neMexico vachida kupinda muAmerica.

Vachitaura panhepfenyuro yeABC News svondo rino, VaBiden vakakurudzira vari munyika dziri kuchamhembe kweAmerica kuti vasauya kuAmerica panguva ino, asi vana vanopfuura zviuru gumi nezvitatu (13,000) vave pamugano uyu.

Nhengo yebhodhi reAfrican Immigrant Caucus, Doctor Isaac Mwase, vanoti kubva pachigaro kwakaita VaDonald Trump, pachipinda VaBiden kwakapa vanhu venyika dziri kuchamhembe kweAmerica kurudziro yekuuya kuAmerica vaine chivimbo chekuti VaBiden vane hany’a nevabvakure uye vanovabata zvakanaka kupfuura zvaiitwa naVaTrump.

Vanoti vazhinji vebato raVaBiden vave kutya kuti nyaya yevabvakure ichakanganisa zvirongwa zvebato iri pamwe chete nezvehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Mwase Isaac Mwase