Chando neCovid-19 Zvokonzera Kukanzurwa kweZviuru neZviuru zveNzendo dzeNdege

HEALTH-CORONAVIRUS/TRAVEL

Kusvika masikati ane zuro, Svondo, nzendo dzaifanirwa kuitwa nendege dzinoita zviuru zviviri nemazana matatu (2,300) dzakanga dzakanzurwa nepamusana pechando chakawandisa, kutonhora uye nedenda reCovid-19.

Nemusi weMugovera, nzendo dzengege dzinoita zviuru zviviri nemazana manomwe (2,700) dzakakanzurwa muAmerica uye nzendo dzinoita zviuru zvina nemazana manomwe (4,700) dzakakanzurwa pasi pose.

Matunhu mazhinji ari pakati peAmerica akatarisana nechando chakaipisisa chiri kutadzisa mabasa mazhinji kuti aitwe, kusanganisira kufamba kwendege. Izvi zvakakonzera kuti zviuru nezviuru zvendege dzisabvumidzwa kubhururuka.

Ukuvo denda reCovid-19 rakavhiringa vashandi vazhinji vanoshanda mundege zvokuti vashandirwi vakatanga kukurudzira vashandi kuti vashande maawa mazhinji kusvika mwedzi unouya vachitambiriswa mari yakapetwa katatu pane yavanositambira.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kunaya kwechando nekupararira kwedenda reCovid-19 hazvisi kukanganisa mafambiro evanhu chete asi kuti zviri kukanganisa zvemabhizimisi nezvehupfumi hwenyika izvo zvichiri kuremerwa nekubuda mudambudziko rekumbovhara kwemwedzi mizhinji, zvakakonzerawo kuvharwa kwemabhizimisi mazhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha