Kutongwa kwaVaTrump Kwotanga Zviri Pamutemo

Vachuchusi veDemocratic Party

Dare reSeneti remuAmerica rakavhota nezuro rikabuda nechisungo chekuti kutongwa kwevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kwaive pamutemo.

Nhengo dzose dzebato reDemocratic Party makumi mashanu, dzakatsigirwa nenhengo nhanhatu dzeRepublican Party, dzakavhota dzichiti kutongwa kwaVaTrump uku kunotsigirwa nebumbiro remitemo yenyika, dzichiramba kutambira mashoko emagweta aVaTrump.

Asi nhengo dzeRepublican Party makumi mana neina dzakapikisa dzichiti zviri kuda kuitwa zvainge zvisiri mubumbiro remitemo yenyika sezvo VaTrump vakatosiya basa.

Magweta aVaTrump akambomira mira achiedza kugutsa nhengo dzedare reSenate kuti zvakanga zvisina musoro kutonga munhu asisiri pabasa sezvo vanhu vemuAmerica vakaratidza simba ravo nekubvisa VaTrump pachigaro.

Kutongwa kwaVaTrump, uko kuri kutanga nhasi zviri pamutemo, kuchatora mazuva akati wandeyi.

Asi vamwe vanotevera zviri kuitika muAmerica vanoti zvichanetsa kuti VaTrump vawanikwe vaine mhosva sezvo pachidiwa nhengo gumi nenomwe dzeRepublican Party kuti dzitsigire nhengo dzeDemocratic Party makumi mashanu kuitira kuti VaTrump vabatwe nemhosva zviri pamutemo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKennedy Masiye, vanoti kutongwa kwaVaTrump chiratidzo chehutongo kwejekerere huri muAmerica.

VaMasiye vanoti nyaya iyi inofanirwa kukurukurwa zvizere kuitira kuti zvakadai zvisaitike zvekare sezvo zvakaitwa naVaTrump nevatsigiri vavo zvichisvibisa hutongi hwejekerere muAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye