Vachuchisi veDemoratic Party vakaenderera mberi vachiburitsa humbowo hunoroverera vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, mhosva yavari kupomerwa vachiratidza mavhidhiyo ange asati amboonekwa, anoratidza kupazwa kwakaitwa Capitol Hill nevatsigiri vaVaTrump avo varatidza hukasha hwainge hwakaipa.
Maseneta akanzwawo mapurisa achitaura pazviovha achiudzana kuipa kwakange kwaita zvinhu pamuzinda uyu, achiti aida kuti kutumirwe mamwe mapurisa kuzovabatsira.
Mukusimbisa nyaya yavo yekuroverera VaTrump nemhosva yavari kutongwa nayo, vachuchusi vakaratidza mavhidhiyo anoratidza kuti VaTrump vakaunganidza vatsigiri vavo vakavapesvedzera kuti vaite zvemhirizhonga vachiedza kuti sarudzo yavakange vakundwa ipidigurwe.
Vachuchusi veDemocratic Party vari kupihwa maawa gumi nematanhatu ekuratidza humbowo hunoroverera VaTrump nemhosva, ukuwo vari kumirira VaTrump vachipihwawo nguva yakafanana vachipikisa zviri kupomerwa VaTrump.
Kunyange hazvo mamwe maseneta achiti anoda kutanga anzwa mativi ose asati atora divi, mamwe maseneta ari kumira nerekuti VaTrump havana mhosva yavakapara, achiti chinangwa cheDemocratic Party ndechekuda kuona kuti VaTrump havafi vakakwikwidza musarudzo yezvematongerwo enyika, ndokana vawanikwa vaine mhosva.
Nyanzvi munyaya dzrmitemo, VaEmmanuel Ncube Socks, vanoti kunyange hazvo vachuchusi veDemoctratic Party vakaratidza dare iri humbowo hwakasimba, havafungi kuti izvi zvichapa kuti vatsigiri vaVaTrump vachinje pfungwa dza
VaSocks vanoti vatsigiri vaVaTrump havana hany’a nezvose zviri kuitika kana zviri kutaurwa pamusoro paVaTrump, kunze kwekungovatsigira zvizere vachiti mumwe wedu haanganyudzwe takatarisa.
Your browser doesn’t support HTML5