America Yoronga Kudzika Mitemo Inotsigira Pamwe neKuchengetedza Vatori veNhau Pasi Rose

Capitol Hill

Nhengo mbiri dzeparamende yepamusoro muAmerica dzanyora mabhiri maviri anokurudzira kusununguka kwevatori venhau nekuvachengetedza pasi pose pavanenge vachiita basa ravo.

Rimwe remabhiri aya, rinonzi Global Press Freedom Act, rakanyorwa nemaseneta maviri anobva kumapato eDemoctratic Party ne Republican Party, vanove VaBrian Schatz, veDemoctratic Party, Hawaai, pamwe naSeneta Todd Young ve Republican Party, Indiana.

Chinangwa chebhiri iri ndechekudzidzisa vanhu pamusoro pekusununguka kwekutapwa kwenhau uye kudzidzisa vanoshanda kune dzimwe nyika kusimudzira kutorwa kwenhau kwakasununguka pamwe chete nekuchengetedza vatapi venhau mudzimwe nyika.

Bhiri rechipiri, rinonzi Jamal Khashoggi Press Freedom Accountability Act, rakaunzwa mudare naSeneta Amy Klobuchar naVa Adam Schiff uye chinangwa charo ndechekuona kuti vose vanonyomba kana kuuraya vatori venhau vanosungwa.

Bhiri iri rakaumbwa senzira yekuremekedza mutori wenhau, muchakabvu Jamal Khashoggi aishandira bepanhau re Washington Post.

Maseneta aya anoti bhiri iri chiratidzo chavo chekuona kusununguka kwekutorwa kwenhau muAmerica pamwe nekunze kwenyika, uye rinopa bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica kuti rishandise mutemo uyu munyika dzariine vamiriri vehurumende yeAmerica pasi rose.

Makore gumi apfuura, America yakadzika mutemo weThe Daniel Pearl Freedom of the Press Act, uchiremekedza muchakabvu aive mutori wenhau weWall Street Journal, uyo akapambwa akaurayiya kuPakustan muna 2002.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinofadza zvikuru kuti America inorangarira vatori venhau pasi pose sezvo vazhinji vavo vachishanda vasina kusununguka.

Muzvinafundo Masocha vanoti kana mabhiri aya akave mutemo, zvichabatsira vatori venhau vazhinji vari munyika dzisingabati vatori venhau zvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha