Vanhu vemuAmerica neMuvhuro vainge vari pazororo rekurangarira mushakabvu Martin Luther King avo vairwira hutongo hwejekerere vachikurudzira vanhu kuti vasaite zvemhirizhonga.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematonerwo enyika vachidzidzisa paWellesley College mudunhu reMassachusetts muAmerica, Doctor Chipo Dendere, vanoti dai Reverend Martin Luther King Jnr vainge vari vapenyu, vairwadziwa zvikuru nemhirizhonga iri kuitika muAmerica pahurongwa hwekutambidzana masimba.
Mutungamiri wenyika VaDonald Trump, avo vakakundwa sarudzo nevari kugadzwa semutungamiri wenyika VaJoe Biden, vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo izvo zvopa kuti munyika musave nekugadzikana.
Kubva zvaitika mhirizhonga yakakonzerwa nevatsigiri vaVaTrump, nemusi weChitatu svondo rapera, vanhu vatatu vakasungwa muWashington D.C. vaine zvombo nemabara asi vasina magwaro azvo uye vaine magwaro ekunyepa anovapa mvumo yekupinda munharaunda yeparamende yeAmerica, kana kuti yeCapitol Hill.
Nzvimbo zhinji muWashington D.C. dzakavharwa zvekuti vanopinda munharaunda yeCapitol Hill vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti ndivanani uye kuti varikudei munzvimbo iyi.
Nemusi weChitatu, VaJoe Biden, nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vanotarisirwa kutora mhiko dzavo dzekutungamira America asi zvichitevera zvakaitika nemusi weChitatu chapfuura, mapurisa nemasoja vakapinzwa muWashington D.C. kuona kuti hapana mhirizhonga inoitika pakutoreswa mhiko kwaVaJoe Biden nemutevedzeri wavo nemusi weChitatu.
Mapurisa anoti havasi kuda vanhu vanoratidzira vaine zvombo musi uyu naizvozvo nzvimbo zhinji dzavharwa muWashington D.C. pachingobvumidzwa avo vane chekuita nemhemberero iyi.
Nemusi weChishanu chapfuura, umwe murume akamiswa pa’roadblock’ achida kupinda munharaunda iyi. Akawanikwa aine zvombo nemazana emabara mumotikari make asi akatadza kutsanangura kwaakange achienda nezvese izvi.
Nemusi weMugovera, mumwe mudzimai ane makore makumi matanhatu nematatu (63), Amai Linda Magovern, vakasungwa pa’roadblock’ inopinda munharaunda iyi vachiti igurukota rehurumende itsva raVaBiden asi vakaedza kutiza mushure mekutadza kuratidza magwaro avo.
Mapurisa akazovaendesa kuchipatara chinoona nezvevanorwara nezvepfungwa.
Your browser doesn’t support HTML5