VaBiden Voshanyira Dunhu reOklahoma

VaJoe Biden

Mutungamiri we America, VaJoe Biden, nhasi vachashanyira guta re Tulsa, mudunhu re Oklahoma, uko vanoti vanoda kunopemberera kushinga kwevanhu vechitema vakararama mukupondwa kwakaitwa vatema nemhomho yevachena mugore ra 1921.

VaBiden vanoti vanhu vatema vakararama havana kuora moyo asi vakashanda nesimba vakaumba hupenyu hwavo patsva.

Kupondwa kwevatema uku kwakaitika kwemazuva maviri, anoti 31 Chivabvu ne 1 Chikumi mugore ra 1921, dzimba nemabhizimisi evatema zvichitungidzwa nemoto vanhu vachipfurwa kana kusungirirwa.

Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekunge umwe musikana wechichena aiva nemakore gumi nemanomwe akapomera mhosva mukomana wechitema aive nemakore gumi nemapfumbamwe achiti akange achida kumubhinya.

Zvinonzi pakaurawa vanhu vechitema vanopfuura mazana matatu.

VaBiden varikuita rwendo urwu panguva iyo vachieza kudzika mitemo inopedza rusaruraganda mu America.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanodzidzisa paIndiana University of Pennsylvania, vanoti kupondwa kwakaitwa vanhu ava muna 1921 kwaka zivikanwa muna 1995, mushure memurume ainzi Timothy McVeigh akabhomba mahofisi ehurumende muguta reOklahoma City, mudunhu re Oklahoma.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa