VaJohn Lewis Vanoradzikwa kuAtlanta, Georgia

Vemauto vachipinza VaJohn Lewis mukereke yeEbenezer Baptist Church vasati vanoradzikwa

VaJohn Lewis, avo vaimirira dunhu reGeorgia muparamende ye America, vakachengetwa nezuro, China, 30 Chikunguru, 2020.

VaLewis vakashaya muAtlanta, Georgia, musi wa 17 Chikunguru mushure mekurwara negomarara.

Vange vave nemakore makumi masere.

Kwemasvondo maviri kubva zvavashaya, VaLewis vange vachiendeswa kunzvimbo dzakasiyanasiyana kuti vanhu vayenekane navo gwekupedzisira. Vakave mutema wekutanga kurara muCapitol Rotunda vanhu vachisarisana navo.

Pakuchengetwa kwavo, vaimbove vatungamiri veAmerica vatatu, vanoti President George Bush, President Bill Clinton na President Barack Obama, vakaungana nevanhu vazhinji vakange vachichengeta VaLewis.

Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaJimmy Carter, vakatumira mashoko enyaradzo vachitsananguravo kuti vakange vachida kuve pakuchengetwa kwaVaLewis asi vatadziswa nehutano hwavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, Doctor Frenk Guni, vanoti zvakaitika pakuchengetwa kwaVaJohn Lewis hazvisati zvamboitika muAmerica, zvikuru sei makudzirwo avakaitwa uye huwandu hwevaimbove vatungamiri veAmerica vakange varipo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Frenk Guni