Vatori veNhau Vopomera America Mhosva yeKuvasora.

Vatori venhau mu America vari kugununguna pamusoro pezvavanoti zviri kuitwa nebazi rezvemitemo muAmerica, re Department of Justice (DOJ), vachiti bazi iri riri kuunganidza ruzivo nemazita evanhu vanofonerwa ne vatori venhau pamwe chete nemazita evanhu vanofonera vatora venhau.

Mutori wenhau we bepanhau reNew York Times, Adam Goldman, akaudza nhepfenyuro yeCNN kuti vachuchusi vemu Washington DC vanotyora mutemo weFirst Amendment uye vanotora vatori venhau sevanhu vanopara mhosva sezvinotwa neavo vanotengesa zvinodhaka, vachiti izvi zvinofanirwa kumiswa.

Mutemo we First Amendment unopa kodzero kuvanhu yekutaura zvavanoda kana kusangana nekuungana nevanhu vavanoda.

Vanodzidzisa kutapa nhau paIndiana University of Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vaudza Studio 7 kuti zvirikuitwa neDOJ zvagara zvichitwa pasi pevatungamiri vakasiyana siyana.

Muzvinafundo Mukasa vanoti DOJ inoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kuitwa nebazi iri mukudzivirira America kubva kuvavengi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa