Justice Department Inoda Kutora Hupfumi Hwa VaYahya Jammeh

Vaimbova mutungamiri weGambia, VaYahya Jammeh

Bazi rinoona ne zvemitemo mu America, reJustice Department, nezuro rakaenda kumatare edzimhosva richiti hupfumi hwe vaimbove mutungamiri we Gambia, VaYahya Jammeh, hunofanirwa kutorwa.

Justice Department iri kupomera VaJammeh mhosva yehuori uye yekuchenesa mari, kana kuti ‘money laundering’.

VaJammeh, avo vakabviswa pahutongi muna 2016, vanogara muhupoteri kuEquatorial Guinea asi vana vavo vanonzi varikugara nekupinda chikoro muAmerica.

Justice Department inoti VaJammeh vane dzimba dzinosvika mazana maviri nemakumi masere neimwe, kusanganisira mumwe muzinda mukuru munzvimbo inodhura chaizvo yePotomac muWashington D.C. uko kunonzi ndiko kunogara vana vavo.

Hurumende yeAmerica inoti hupfumi hwa VaJammeh hwakawanikwa nenzira dzehuori naizvozvo hunofanirwa kutorwa.

VaCalvin Manduna, avo vari kuita dzidzo dzepamusorosoro, dze African Studies, paHoward University, vanoti zvekutorerwa hupfumi kana munhu abva pachigaro zvinoenderana nehusahwira hwange huripo pakati pevaimbove vatungamiri venyika nehurumende yeAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCalvin Manduna