VaTrump Voraswa neMamwe Maseneta eBato Ravo

VaDonald Trump nemutevedzeri wavo, VaMike Pence

Zvinhu hazvina kumirira zvakanaka kumutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, zvichitevera mashoko nezviri kuitwa nevanhu vebato ravo, reRepublican Party, muparamende yeAmerica.

Bepanhau reNew York Times rinoti mutungamiri wenhengo dzedare reSenate, dze Republican Party, VaMitch Mcconnell, vaudza bepanhau iri kuti VaTrump vakapara mhosva dzinofanirwa kutongwa.

Svondo rapera, vatsigiri vaVaTrump vakapinda zvechisimba mudare reCongress yeAmerica vakapwanya misuwo, mahwindo, matafura nemacheya vachitsvaka mutevedzeri waVaTrump, VaMike Pence, pamwe chete nenhengo dzeparamende idzo dzakazvivharira mune dzimwe dzimba dzikavanda pasi pamatafura.

Vamamwe vatsigiri vaVaTrump vanoti zvinotaurwa nemukuru wavo zvekuti sarudzo dzakabirwa ndezvechokwadi.

Imwe nhengo yedare reSenate, Amai Liz Cheney, vakati nhasi Chitatu, vachavhota kuti VaTrump vatongwe neparamende pamusoro pemhosva dzavanonzi vakapara mukukurudzira vatsigiri vavo kuti vakonzere mhirizhonga paCapital Hill nemusi weChitatu pakafa vanhu vashanu.

VaTrump vari kuramba vachiti vakabirwa musarudzo yemutungamiri wenyika kunyange hazvo matare edzimhosva makumi matanhatu akarasa zvichemo zvaVaTrump achiti hapana humbowo hunoratidza kuti sarudzo yakabirwa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mugari wemu Washington D.C. Doctor Frenk Guni, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato raVaTrump sezvo makambani mazhinji abuda pachena achiti haachapi mari kunhengo dzebato iri dzakakwikwidza kuti VaJoe Biden vakasarudzwa nevanhu pasina kubirirwa kwakaitwa.

Makambani eSocial Media mazhinji, anosanganisa Twitter, Facebook, Instagram, Google nemamwe akavhara kuti VaTrump vasashandisa madandemutande awo.

Doctor Guni vanoti mapurisa ari kushanda zvine simba kuitira kuti pakugadzwa nemusi weChitatu kwaVa Biden, pasave nebongozozo serakaonekwa svondo rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni