Amnesty International Yoshoropodza Hurumende yeMubatanidzwa

Sangano reAmnesty International rashoropodza zvikuru hurumende yemubatanidzwa nekutadza kubatsira zvakakwana vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo munguva yeOperation Murambatsvina.

Mugwaro rayaburitsa neChipiri, Amnesty inoti, kunyange hazvo kwapfuura makore mashanhu, vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo havasati vava nepekugara.

Amnesty nemamwe masangano anosanganisira Combined Harare Residents Association, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association, nemamwe, ari kubatana mukuendesa nyunyuto kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemusi weChina. Masangano aya ari kuvakurudzira kuti vanhu vakaputsirwa dzimba dzavo vawanirwe rubatsiro nechimbichimbi.

Chipangamazano che Amnesty International, VaSimeon Mawanza, vanoti hurumende inofanirwa kuona kuti yaremekedza kodzero dzevanhu ava nekuvawanira pekugara pakanaka.