Vashandi vehurumende varamba kutambira mari yanga yavimbiswa nehurumende mumusangano wavaita nehurumende pasi peNational Joint Negotiating Council.
Vachitaura neStudio7 mushure memusangano uyu, uyo watora maawa mashanu, sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, Amai Cecillia Alexander, vati hapana chine musoro chabuda mumusangano uyu.
Amai Alexander vati varamba mari yavanga vapihwa nehurumende yanga ichiita kuti mushandi wepasipasi awedzerwe nezvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana.
Amai Alexander vati vashandi vehurumende vari kuda kuti vabhadharwe mari yakaringana neinenge iri pamusika webhanga kana kuti interbank rate.
Vanga vachitungamira nhaurirano idzi vakamirira divi rehurumende, VaMoses Mhike, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti titaure negurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavhima, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Amai Alexander vati vachaita musangano nenhengo dzavo neMuvhuro kuti vaone kuti votora danho ripi zvichitevera kutadza kuwirirana kwavaita nehurumende.
Nekune rumwe rutivi, mamwe masangano anomirira vadzidzisi asiri muApex Council akaita seAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe akatozivisa kare kuti nhengo dzawo hadzisi kuzoenda kubasa pachavhurwa zvikoro svondo rinouya sezvo achiti mari dzavari kutambiriswa nehurumende hadzisisina chadzinokwana.
Apex Council inotiwo dzimwe nhengo dzayo hadzisati dzadzoka kumabasa kubva zvadzakaenda kuzororo rekisimusi kubudikidza nekushaiwa mari dzemabhazi.
Hurumende inoti haikwanise kubhadhara vashandi vayo mari dzavari kuda sezvo ichiti homwe yayo yakabooka.
Your browser doesn’t support HTML5