Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti vatungamiri vebazi rezvehutano mumatunhu ari munyika vanogona kukumbira kuti chirongwa chekubayisa vana nhomba chienderere mberi kana hurongwa uhu husina kunyatsopera mumatunhu avo.
WHO inoti dunhu rekwaSeke rakakumbira kuti hurongwa uhu huwedzerwe nezuva rimwe chete. Chirongwa chekubayisa vana nhomba chakapera zviri pamutemo neChitatu.
Hurumende inoti vana vanosvika mamiriyoni mashanu vachange vabayiwa nhomba panopera chirongwa ichi. Mukuru mubazi reDisease Prevention and Control muWHO, Doctor Lincoln Charimari, vanoti matunhu anenge asina kunyapedza kubayisa vana nhomba anogona kuenderera mberi kana achinge asvitsa chikumbiro ichi kuhurumende.