Bato raVaMwonzora Rinoti Rinotsigira Referendum yeKumbomisa Sarudzo

  • Blessing Zulu

Amai Thokozani Khupe naVaMorgan Komichi

Sachigaro webato reMDC Alliance VaMorgan Komichi vanoti bato ravo ratanga misangano nevatsigiri vavo kuti vaone kuti potorwa danho ripi kugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika asi vachiti havo vari kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe kana zvakakodzer paitwe referendum kuti sarudzo dzose dzimbosendekwa parutivi pachiitwa nhaurirano.

VaKomichi vati ongororo dzose dziri kuitwa dziri kuti munyika munofanira kuitwa nhaurirano asi vakati nhaurirano idzi hadzifanire kuve dziri pakati pemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato reMDC Alliance VaNelson Chamisa chete.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti nhaurirano dzinofanira kuitwa sezvo iri kodzero yevanhu kusarudza vamiriri vavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Komichi