MDC Inoti Kwete kuMisangano yeCopac Isina Mapurisa Anochengetedza Runyararo

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti richaramwa kupinda misangano yekunyorwa kwebumbiro idzva kudzamara mapurisa avimbisa kuti achachengetedza runyararo pamisangano iyi.

Izvi zvinotevera mhirizhonga dzakaitika kumisangano yeCopac, uko nhengo dzeMDC dzinoti dzakashungurudzwa nevatsigiri veZanu PF. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi reZanu PF panyaya iyi.

Imwe nhengo yehutungamiri hweMDC, VaMorgan Komichi, vanoti bato ravo rafunga kutora matanho aya senzira yekuomesera ZANU-PF iyo iri kukonzeresa mhirizhonga mumisangano yeCopac.

Misangano yeCopac inofanirwa kudzokororwa munzvimbo dzinosanganisira Harare, Chitungwiza, Manicaland, Bulawayo, nedzimwe dzakaita mhirizhonga. Copac inoti misangano iyi inodarika chiuru.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumasachigaro eCopac kuti ati awane here vimbiso kubva kumapurisa kuti achange achichengetedza misangano iyi.