Bazi re zvemitemo, kana kuti Department of Justice, pamwe nematunhu emu America gumi nerimwe, aenda kumatare edzimhosva kwavano mhan'arira kambani ye Google, vachiti yanyanya kukura zvekuti yave kutadzisa mamwe makambani kuitawo basa iri.
Google inopa vanhu mukana wekutsvaka zvese zvavanoda padandemutande..
Hurumende inoti kambani yeGoogle pamwe neyeFacebook, ari kuwana mari inoita zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (65%) zvemari yose inowanikwa mubasa rekupa vanhu mukana wekutsvaka zvavanoda padandemutanda pamwe chete nekushambadza, kana kuti “search engine and advertising”.
Kambani yeGoogle inoramba mhosva yairi kupomerwa ichiti zviri kutaurwa nehurumende handizvo, ichiti vanhu vanoshandisa kambani yavo nekuti vanoda kuishandisa, kwete kuti vanomanikidzwa kana kuti vashaya imwe kambani inokwanisa kuvabatsira.
Muzvinafundo Stan Mukasa, vanodzidzisa paIndiana University, mudunhu rePennslyvania, vanoti uku kutashurana kweshoroma, kusinei nevanhu vanoshandisa Google neFacebook, sezvo bazi rezvemitemo iri richida kupatsanura mabasa ari kuitwa neGoogle kuti mamwe awo aitwe nemamwe makambani.
Your browser doesn’t support HTML5