Bhanga reStandard Chartered Romisa Vamwe Vashandi Basa muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Standard Chartered Bank

Bhanga reStandard Chartered rinoti riri kuzogumura vamwe vashandi sezvo rave kuendesa mamwe mapazi aro zvikuru anoda humhizha kuChina, India neMalaysia.

Vanhu makumi maviri vakatomiswa basa pavashandi mazana matatu nemakumi masere nemana vari muZimbabwe. Bhanga iri rakatonyorera vashandi varo chiziviso richitaura nezvenyaya iyi.

Mumwe mukuru muStandard Chartered Amai Lillian Hapanyengwi vaudza nhepfenyuro yeBloomberg kuti vamwe vashandi vachatatsvagirwa kumwe kwekuenda. Vanotiwo zvavari kuita zvakanangana nekuderedza mari dzavari kushandisa.

Mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union VaPeter Mutasa vanoti vashandi vakatotanga kumiswa basa gore rapera. Vanoti vanhu ava havasi kunyatsopihwa mari yavo yemudyandigere sezvo hurumende isiri kuvapawo rutsigiro.

Vati zvinhu zvinovashungurudza kuti vashandi vemuZimbabwe vari kusiiwa vachinonga svosve nemuromo nevemakambani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Mutasa