Amai Bona Mugabe Chikore Ndivo Vachagova Nhaka Yakasiyiwa naVaMugabe

  • Thomas Chiripasi

Mugabe Will

Mhuri yevaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yadoma mwanasikana wavo, Amai Bona Mugabe Chikore, kuti ave mugovi wenhaka yemufi pachiitiko chaitirwa mudare repamusoro reHigh Court.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa pakati pemhuri yemufi naMaster of High Court wekusarudza munhu anofanirwa kuunganidza nhaka yaVaMugabe pamwe nekuzoigovera zviri pamutemo.

Musangano uyu wapindwa naAmai Grace Mugabe,mukuwasha wavo, Simba Chikore pamwe negweta remhuri, Va Terrence Hussein.

Asi vanakomana vemushakabvu, VaRobert Mugabe Junior naVaChatunga Bellarmine Mugabe vanga vasipo pachiitiko.

VaHussein vati zvabvumiranwa mudare kuti mwanasikana waVaMugabe, Amai Bona Mugabe-Chikore vave ivo vachatungamira kugovewa kwenhaka yababa vavo.

Asi VaHussein vati vanakomana vaVaMugabe vakasiya vanyora magwaro ekupa vehukama masimba ekuvamirira panyaya iyi kana kuti power of attorney.

Pamapepa akasvitswa kudare pane zita remwana waAmai Mugabe asiri mwana waVaMugabe, VaRussell Goreraza, rakaiswa semumwe wevana vemushakabvu vanofanira kugoverwa nhaka yemufi.

Asi rimwe gweta remuHarare, VaKudzayi Kadzere, vati zvinokwanisika kuti VaGoreraza vapihwewo nhaka yaVaMugabe kana mufi akange avatora semwana wake achitevedzera mitemo yenyika.

Zvichakadai, VaHussein vati hupfumi hwakanyoreswa kudare naAmai Bona Mugabe Chikore ndizvo zvese zvaiva muzita remushakabvu, vakati imba yaVaMugabe yekuBlue Roof neyeku Mt Pleasant zvanga zvisati zvapera kugadziriswa mapepa nebato reZanu PF.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi munyori wezvemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakaudza Studio7 nezuro kuti magwaro emba akatoiswa muzita raVaMugabe, chasara chete kuzvizadzisa zviri pamutemo.

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakabuda mumapepanhau mushure mekuradzikwa kwemutumbi waVaMugabe kuti bato ravo harisi kuzobvisa imba yeBlue Roof mumaoko emhuri yaVaMugabe kunyange hazvo sitendi yakavakirwa imba iyi yakange yatengwa nebato ravo panguva yaitungamirwa nyika naVaMugabe.

VaHussein vatiwo VaMugabe havana dzimwe dzimba kana midziyo iri kunze kwenyika kunyange hazvo zvakambobuda mumapepanhau panguva yavaive pachigaro kuti vaive nemba kuDubai.

Zvimwe zvakasiiwa naVaMugabe,avo vakatonga nyika kwemakore makumi matatu nemanomwe, zvinosanganisira imwe imba iri kuMt Pleasant, mari iri bhanga reCBZ inoita mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica, purazi, imba iri kwaZvimba nedzimotokari.

VaMugabe vakasiya basa muna Mbudzi 2017 mushure mekupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo enyika zvakazoita kuti VaMnangagwa, avo vakange vadzingwa muhurumende naVaMugabe, vagadzwe semutungamiri wenyika.

VaMugabe vakazoshaya musi wa6 Gunyana gore rino kuchipatara cheGlen Eagles kuSingapore mushure mekurwara nechirwere chegomarara.