Vadzidzisi vanoshandira muBotswana vari zvizvarwa zveZimbabwe vanoti vari kufara zvikuru nedanho rakatorwa nehurumende yenyika iyi rekuronga kunge yabaya vadzidzisi vose mukupera kwemwedzi waChikunguru.
Senzira yekudzivirira kupararira kwedenda rarura pasi rose iri, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vakati vadzidzisi vose vakafanira kubaiwa nhomba yeCOVID-19.
Izvi zvinotevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCOVID-19 muzvikoro nekuda kwekuungana kwevanhu vakawanda, uye zvinonzi nyika iyi yarasikirwa nevadzidzisi vangasvika zana nemakumi mashanu nekuda kwedenda iri.
Vachigamuchira zviuru mazana maviri enhomba yeSinovac yakatengwa nenyika iyi kuChina nhasi mangwanani, VaMasisi vati nyika yavo ichaita zvese zvainogona mukuchengetedza hupenyu hwevadzidzisi.
Amai Margret Masango, avo vanodzidzisa pachikoro cheTabitha Primary School icho chiri muguta reFrancistown, vanoti vanogamuchira hurongwa uhu nemaoko maviri sezvo huchibvisa hupenyu hwavo munjodzi.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinodzidzisa zvidzidzo zvemabhizimisi pachikoro cheBotlale Private School muguta reGaborone, VaPascal Makamure, vaudzawo Studio7 parunhare kuti hurongwa uhu huchaderedza zvakanyanya huwandu hwevadzidzisi vari kubatwa nekuurayiwa neCOVID-19.
Mazvikokota wedzidzo uye vari chipangamazano pachikoro chakazvimirira cheSaint Kizito Secondary School, VaThompson Murombedzi vanoti dai hurumende yakatanga nevarairidzi mukubaya nhomba yeCOVID-19.
Nyanzvi munyaya dzehutano hweruzhinji, Muzvare Christabel Ncube, vanoti kuchengetedzwa kwemukaha pakati pemudzidzisi nemudzidzi sezvinodiwa mukurwisana nedenda iri kunonetsa vachiti kubaiwa kwevadzidzisi pamwe nevadzidzi nhomba ndiko chete kungabatsira.
Botswana ine vanhu zviuru makumi manomwe ane makumi manomwe nemumwe chete vakabatwa neCOVID-19 kotiwo chiuru chimwe chete chine makumi mapfumbamwe nevashanu vaurayiwa nendenda iri uye vanamazvikokota vezvehutano vanoti huwandu uhu hungangowedzera.
Your browser doesn’t support HTML5