Botswana Yokurudzirwa Kupa Zvizvarwa zveZimbabwe Magwaro

Hurumende yeBotswana iri kukurudzirwa kuti itange chirongwa chekupa zvizvarwa zveZimbabwe magwaro ekushanda nekugara munyika aya nechimbichimbi sezvo ruzhinji rwevanhu ava rwuine mabasa akakosha mukusimudzira hupfumi hwenyika iyi.

Kurudziro iyi yaitwa nemumiriri weFrancistown East mudare reparamende muBotswana, VaHonest Buti Billy, pamusangano wekuongorora kushanda kwematanho akatorwa nehurumende mukudzivirira kupararira kweCOVID-19 muFrancistown muBotswana.

VaBilly vati zvizvarwa zvinobva kune dzimwe nyika zvikuru kwazvo zveZimbabwe zvine makore akawanda zvichibata basa guru kwazvo mukusimudzira hupfumi hweBotswana.

Kunze kwekusimudzira hupfumi hweBotswana, VaBilly, avo vanomirira nzvimbo iri chinhambwe chemakiromita makumi mapfumbamwe kubva kumuganho weBotswana neZimbabwe, vaudza Studio7 kuti hurongwa hwekupa magwaro ekuti vanhu vagare nekushanda zviri pamutemo hunogona kuderedza huwandu hwevanu vanopinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Mashoko aVaBilly aya atsigirwa nemeya wedhorobha reFrancistown muBotswana, VaGodisang Radisigo, avo vati vanhu vari kupinda munyika iyi zvisiri pamutemo vari kudzosera shure hondo yekurwisana neCOVID-19.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeBotswana pakurudziro yaitwa nevaviri ava.

Asi chimwewo chizvarwa cheZimbabwe icho chinorarama nechamuka inyama mudhorobha reFrancistown, VaNorman Mujakachira, vanoti chirongwa ichi chingabatsira kwazvo ruzhinji rwunogara rwuchiita hwakitsi negonzo muBotswana.

Nyanzwi munyaya dzezvekudyidzana pakati kwenyika uye vari gweta rakazvimirira, VaSamuel Masango, vanoti hurongwa uhu hunogona kunge huchibva muzvibvirano zvakaitwa pakati penyika mbiri idzi mukutanga kwegore .

Studio7 haiana kukwanisa kunzwa kumuzinda weZimbabwe muBotswana kana paine zviri kurongwa nenyika mbiri idzi.

Asi nyika mbiri idzi dzakasaina zvibvumirano zvinomwe muna Kukadzi gore rino pamusangano wechipiri weBotswana-Zimbabwe bi-annual national commission uyo vakaitirwa mudhorobha reMaun iro riri kuchamhembe kwakadziva kumadokera enyika iyi.

Zvimwe zvezvibvumirano zvakasungwa pamusangano uyu zvinosanganisira kushandidzana mune zvehutano, mitambo, kufambiswa kwemashoko, mabasa uye dzidzo yemaoko nezvimwewo.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri zviri kugara muBotswana, vazhinji vacho vakapinda munyika iyi zvisiri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo