Botswana Yotumira Mauto kuMozambique Kunorwisa Vanopfurikidza Mwero

Mutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi

Botswana nemusi weMuvhuro yakatumira chikwata chemasoja mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nematanhatu ayo achange achishanda ari pasi pesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica muMozambique reSouthern African Development Community (SADC) Mission.

Mauto enyika gumi nenhatu dzemuAfrica ari kutarisirwa kuenda kudunhu reCabo Delgado, kunobatsira Mozambique kurwisa chikwata chinopfurikidza mwero cheAnsar-Al-Sunna icho chinodyidzana neIslamic State kana kuti ISIS.

Vachitaura nemasoja aya panhandare yendege yeSir Seretse Khama International Airport vave kuda kusimuka kuenda kuMozambique mangwanani eMuvhuro, mutungamiriri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vati vari kutumira mauto aya sasachigaro webazi rinoona nezverunyararo reSADC Organ on Politics, Defense and Security Cooperation nechinangwa chekuda kuunza kugadzikana mudunhu.

VaMasisi vanotiwo zvikwanisiro zvose zvinodiwa kuti zvikwata zvemasoja zvichange zvichishandira muMozambique pasi peSADC Standby Force zvichabva kunhengo dzinoumba gungano iri.

Mauto eBotswana aya ari kutarisirwa kunoshanda nemamwe chiuru chimwe chete ekuRwanda ayo akapinda muMozambique masvondo maviri apfuura. Rwanda haisi muSADC asi inoti ndisahwira mukuru weMozambique.

Zimbabwe iyo isiri kunyatsobuda pachena nehurongwahwayo inonzi nebepanhau reNewshawks richiti yakatotumira mauto mashoma ane hunyanzvi hwepamusoro soro muna Kurume.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaNyasha Mugwagwa vaishanda kuPalma vakatourayiwa nevanopfurikidza mwero ava.

Studio 7 haina kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vati vange vakabatikana sezvo vange vari mumusangano ndookumbira kuti tivatumire mibvunzo iyo yavasina kukwanisa kupindura kusvika taenda pamhepo.

Nyanzvi munyaya dzekudzivirirwa kwenyika uye vari mudzidzisi wezvidzidzo zvehondo paUniversity of Botswana, VaDumezweni Ncube vaudza Studio 7 kuti nyika dzatumira mauto adzo kuMozambique kuitira kuti hondo iyi isarambe ichipararira mudunhu.

Zvichakadaro, mutungamiriri weMozambique, VaFilipe Nyusi vakazivisa nemusi weSvondo kuti vanopfurikidza mwero mudunu reCabo Delgado vava kudududza.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti kuwanda kwemauto ari kuenda kunobatsira kuMozambique kungangoita kuti vanopfurikidza mwero ava vatange kurwisa dzimwe nyika dziri mudunhu reSADC.

Gungano reSADC riri kutarisirwa kutumira mauto zviuru zvitatu kubva kunyika dzinosanganisira Zimbabwe, Botswana, Angola, Tanzania, South Africa nedzimwewo kunorwisana nevanopfurikidza mwero ava.

Vanhu zviuru zvitatu vanonzi vafa muhondo iyi uye vamwe zviuru mazana masere 800, 000 kusanganisira vana vadiki vanonzi vamanikidzwa kuenda muhupoteri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo