Britain Yokurudzira Vaongorori Kuenda kuZimbabwe Sarudzo Dzisati Dzaitwa

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yeBritain inoti zvakakosha kuti muZimbabwe munge muine vaongorori vesarudzo panguva ichaitwa referendamu uye sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika pamwe nevamiriri veparamende gore rionuya.

Vachitaura neChipiri mudare reparamende, nhengo dzedare reHouse of Commons dzakati zvakakosha kuti munyika musadzokororwe zvakaitika mugore ra2008 zvekurwisana pamwe nekupondana kwevanhu munguva yesarudzo.

Vachipindura mibvunzo mudare reparamende, gurukota rezvekunze kwenyika, VaHenry Bellingham, vakati nyika yavo iri kushanda pamwe nemasangano akaita seSADC, United Nations pamwe neEuropean Union, uye nedzimwe nyika kuitira kuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzakachena.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatozivisa kuti munyika muchaitwa sarudzo gore rinouya. Asi mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanoti nyika haisati yagadzirira kuita sarudzo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro weNCA, vanoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kutambira kurudziro iyi, uye haifanirwe kutarisa kuti iri kubva kuhurumende ipi.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti panodiwa mari inoita mamiriyoni mazana maviri emadhora kuitira kuti sarudzo dziitwe gore rinouya.