Zviri Kuitika paBeitbridge Zvoshayisa Vakawanda Mufaro

Beitbridge traffic

Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.

VaSolomon Donhedzai chizvarwa chemuZimbabwe chine kambani yekuvaka kuSouth Africa uye ndemumwe wezviuru nezviuru zvevanhu zvave nemazuva anoda kusvika vhiki zviri paBeitbridge border post zvichitadza kupinda muSouth Africa, nekuda kwekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa.

VaDonhedzai vanoti vave nemazuva mana vakamirira kuti vabire mhiri kudzokera kuSouth Africa. VaDonhedzai vanoti kunze kwedambudziko rekurasikirwa nemari nekuda kwekunonoka kubatsirwa, chinhu chikuru chinoovabaya moyo inyaya yekuti hapana zvavanoona kana kunzwa zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe pakugadzirisa nyaya iyi.

Muzvare Jackie Ngwenya ndechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kushanda muSouth Africa.

Muzvare Ngwenya vaive vauya kumusha kuzoviga mai vavo avo vakashaya muna Zvita. Vanoti vanoshushikanawo kuti hurumende hapana zvairi kuita pakugadzirisa dambudziko rakatarisana nevafambi paBeitbridge vachitiwo dai zvehupfumi zvakamira zvakanaka munyika vanhu vangadai vasina hany’a nekuenda kunotsvaga mafuro manyoro muSouth Africa.

Vanhu vari kuda kupinda muSouth Africa ava avanosanganisira
vanhukadzi nevana uye vakawanda vave kutyira zvirwere.

Mumwe mukadzi uyo akangoda kuzvidoma nezita rekuti Amai Ndlovu vanoti kunze kwechirwere cheCovid-19 vave kutyirawo kupararira kwezvirwere zvemudumbu sezvo vanhu vave kuitira tsvina pose pose nekuda kwekushaikwa kwezvimbuzi zvakakwana.

Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, Muzvare Evernice Munando, vanoti sangano ravo riri kushishikana zvikuru nematambudziko akatarisana nevafambi paBeitbridge kunyanya madzimai, vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvinhu nekukasika.

Munyori wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights,
Dr Norman Matara, vanotiwo sangano ravo riri kukurudzira hurumende kuti
igadzirise zvinhu nekukasika.

Kusvika pari zvino hapana chati chataurwa nehurumende panyaya
yedambudziko rakatarisana nevanhu vari paBeitbridge.

Taedza kunzwa kubva kugurukota rezvemukati menyika asi patavabata vati vange vari mumusangano. Vange vavimbisa kupindura mibvunzo yatavapa asi vange vasati vaipindura pataenda pamhepo.

Taedzawo kunzwa kubva kumunyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, asi nharembozha yavo yange isingadavirwi.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vari mumiriri
weZanu PF kuMakonde muparanmende, VaKindness Paradza, asi vati havana zvekutaura panyaya iyi.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemukati menyika nekudzivirirwa kwayo uye vari mumiriri weUmzingwane mudare reparamende, VaLevy Mayihlome, vati pachine dambudziko riri kubata vanotyaira marhori.

Vachipa maonero avo panyaya iyi nhengo yeCentral Committee yebato
reZanu PF, VaJoseph Tshuma, vaudza Studio 7 kuti hurumende dzeZimbabwe neSouth Africa dzinofanirwa kuita maonera pamwe dzoshanda kukurumidza kugadzirisa nyaya iyi.

Bhodha reBeitbridge ndiro bhodha rinonyanya kushandiswa zvikuru
nevanhu munyika dzemuSADC uye kana bhodha iri richishanda zvakanaka, panogona kupfuura vanhu zviuru makumi maviri nezvishanu kana kuti vanhu 25 000 pazuva.

Bhodha iri harisivharwe asi nekuda kwechirwere cheCovid-19,
Zimbabwe yakaisa curfew inobva nenguva dza6 manheru kusvika
na6 mangwanani, ukuwo South Africa yakaisa curfew inobva na9 manheru
kusvika na6 mangwanani.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi