Brazil Inosvika Munyika

Chikwata chenhabvu chine mukurumbira che Brazil chasvika munyika manheru eChipiri.

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vanoti chikwata ichi chasvika manheru eChipiri.

Chikwata ichi chichaita mutambo wehushamwari neZimbabwe Warriors neChitatu ku National Sports Stadium.

Vanha vakawandisa vari kutarisirwa kuzara ku National Sports Stadium pamutambo mukuru kubvira nhandare iyi yavhurwa muna 1987. Nhandare iyi inobvumirwa kutakura vanhu vanokwana zviuru makumi matanhatu chete.

Vatambi veBrazil vane mukurumbira vanosanganisira Robinho, Kaka, Luis Fabiano, Gilberto Silva pamwe na Julio Ceasar.


Kaka ari kunzi angangotadza kutamba nekuti achiri kurapwa apo akakuvara vachigadzirira makundano e 2010 World Cup ayo ari kutanga svondo rinouya muSouth Africa.

Pane kusawirirana zvikuru munyika pamusoro pedanho rakatorwa nehurumende rekukoka Brazil kuti itambe mutambo wayo wegadziriro nema Warriors.

Vamwe vanoti hurumende inofanirwa kunge iri kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa munyika, pane kushandisa mari yakawanda kuti ibhadhare chikwata ichi kuti chitambe munyika.

Vamwewo vanoti hurumende iri kuita zvakanaka sezvo kuuya kweBrazil kuchabatsira kuunza vashanyi munyika, uye kusimbaradza mutambo wenhabvu munyika.

VaWellington Magaya vanoshanda segweta. VaMagaya vanoti vari kufadzwa nedanho rakatorwa nehurumende rekukoka Brazil.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti hurumende yaifanirwa kushandisa mari iyi kuti igadzirise zvinetswa zvemunyika pane kukudza mutambo wenhabvu.