Chikwata cheNhabvu cheKiglon Chotengeswa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mubati wehomwe muchikwata chenhabvu cheKiglon, VaFarai Mbasera, vanoti ichokwadi kuti chikwata chavo chiri kutengeswa sezvo zviri kuvadhurira kuti varambe vachitamba nhabvu mwaka uno.

VaMbasera vanoti pane makambani nezvikwata zviri kuratidza kuda kutenga chikwata ichi asi havasati vanzwa kubva kune muzvinabhizimusi VaPhilip Chiyangwa, avo vakadomwa nebepanhau reSunday Mail semumwe wevari kuda kutenga chikwata ichi akabatana nevatambi venhabvu vanoti Peter Ndlovu naEdzai Kasinauyo.

VaChiyangwa vaudza Studio 7 kuti havana kumbobvira vataura nebepanhau reSunday Mail, uye havasi kuda kutenga chikwata cheKiglon sekunyorwa kwakaitwa mubepanhau iri.