Chirwere cheGwirikwiti Chinouraya Vana kuUzumba

Dambudziko iri rinonzi riri kuitikawo mudzimwe nzvimbo. Mapurisa anonzi ava kumanikidza vetenderi vechipostori kuti vabaise vana nhomba. Nyaya iyi iri kunzi yanetsa sezvo vamwe vana mumamisha vakabaiwa nhomba vava kubatwazve negwirikwiti iri mushure mekuritatapurirwa nevanenge vasina kubayiwa nhomba

Chirwere chegwirikwiti chinonzi chanetsa zvikuru kuUzumba, uko vana vadiki vari kufa nechirwere ichi. Mashoko atiri kutambira anotiwo kune vana vapfumbamwe, vakashaya nechirwere ichi, vaviri vacho vanonzi vakashaya neMuvhuru mubhuku rekwaKatiyo. Vana vari kufa nechirwere ichi, vanonzi vana vemapositori.

Dambudziko iri rinonzi riri kuitikawo mudzimwe nzvimbo, izvo zvava kupa mapurisa kuti amanikidze vatenderi vechipostori kuti vabaise vana vavo nhomba. Nyaya iyi iri kunzi yanetsa sezvo vamwe vana mumamisha vakabaiwa nhomba vava kubatwa zvakare negwirikwiti iri mushure mekuritapurirwa nevanenge vasina kubayiwa nhomba.

Gurukota rezvehutano, Va Henry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kuedza pese parinogona napo kupedza dambudziko iri. Hatina kukwanisa kuwana huwandu hwevana vafa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

VaDouglas Gwatidzo ndivo sachigaro wesangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights. VaGwatidzo vanoti hurumende inofanira kufamba nekuchimbidza kupedza dambudziko.