Copac Inoti Haina Muchina Yakabiwa

  • Jonga Kandemiiri

Musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu unonzi wakakanzurwa neChipiri kwaMutambara kuManicaland zvichitevera mhirizhonga yakaitwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF, avo vakanga vasingadi kuti vana vechikoro vape pfungwa dzavo pamusangano wakaitirwa paMutambara Primary School.

Sangano riri kuongorora chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva reZZZICOMP, rinoti vatsigiri ava havana kufara nemukuru wechikoro ichi, pamwe nemumiriri weMutare Central muparamende, VaTrevor Saruwaka, avo vavaipomera mhosva yekuunganidza vana vechikoro kuti vape pfungwa dzinopikisa zviri kudiwa neZanu PF.

Mukuru weZimrights, VaOkay Machisa, vanoti vanhu vanofanirwa kupinda muchirongwa ichi vakasununguka, kwete zviri kuitika zvekuti vasori vari kutyisdzira vanhu mumativi mana enyika.

Zvichakadaro, komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo, yeCOPAC, yaramba mashoko ekuti pane vanhu vakaba zvakanga zvaunganidzwa kubva muvanhu kuGwanda, kuMatabeleland South, pamwe nekuManicaland.

Komiti iyi inotiwo yawirirana nebazi reZIMRA kuti motokari dziri kushandiswa muhurongwa hwayo, dzisabhadhariswa mari dzemitero yemigwagwa, kana kuti toll-gate fees.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti ZIMRA yanga yava nehurongwa hwekuti motokari dzeCOPAC dzibhadhariswe mitero, asi vazokurukura pamusoro pehurongwa uhu, zvinhu zvikagadziriswa.

Vatiwo dambudziko remari dzevatyairi pamwe nevari kubata michina ragadziriswa, sezvo vapiwa mari nebazi rezvemari.