COPAC Yoronga kuEndesa Hurongwa hweKunzwa Pfungwa Dzevanhu kuMajeri

  • Jonga Kandemiiri

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti mwedzi unouya vachange vachipinda mumajeri ose ari munyika, kuitira kupa mukana kuvasungwa kuti vapewo pfungwa dzavo pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

Ukuwo, nhengo yeMDC uye vari mumiriri weMasvingo West muparamende, VaTachiona Mharadze Chiminya, avo vakanga vambotorwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuburitsa pfuti paruzhinji, vanoti varegwa sezvo vawanikwa vasina mhosva.

Zvichakadaro,sangano reGeneral Agricultural and Plantantion Workers Union of Zimbabwe, GAPWUZ, rinoti nhengo dzaro dziri kushungurudzwa zvakanyanya mumatunhu eMashonaland Central neMashonaland West munyaya dzekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

Mutauriri weGAPWUZ, VaTapiwa Zivira, vaudza Patience Rusere weStudio7 zviri kusangana nenhengo dzavo.