Vagere kuNgangu Camp Voendeswa Kunogara kuChayamiti?

  • Safari Njema

Rwamwidzai Matamande, 81, says there is real hunger in Chimanimani district, March 26, 2019, and he hopes that President Emmerson Mnangagwa’s government quickly sends food aid to the area.

Hurumende inoti yapedza kupega nzvimbo nekugadzirisa migwagwa munharaunda yeChayamiti kuChimanimani mudunhu reManicaland, uko kuchagarisa patsva vanhu vakaparadzirwa misha yavo nemafashamu eCyclone Idai.

Izvi zvaziviswa nemumwe mukuru mukuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kweveruzhinji kubva munjodzi, reCivil Protection Unit, CPU, VaNathan Nkomo.

VaNkomo vanoti hurongwa hwavatanga hwekupega nzimbo nekugadzirisa migwagwa, igadziriro yekuvakwa kwemisha yeavo vakawirwa netsaona yemafashamu emvura vari kufanogara mumakamba eNgangu neCopa.

"Tine rimwe purazi ratakawana kwaChayamiti rinonzi West End. Apa ndipo pachavakwa neimwe kambani inonzi Higherlife Foundation. Ichavaka dzimba mazana mashanu. Shamwari dzedu dzekuChina dzichavakawo mazana mairi nemairi ipapo. Chinonyanyonakidza panzvimbo iyi ndechekuti hatisi kungovaka dzimba chete. Tavapa ma stand mahombe vaite zvekurima, vaite zvekuchengeta huku nekuti hatidi kuti vanhu ava varambe vachingopihwa chikafu nebazi re Social Welfare," VaNkomo vanotsanangura.

VaNkomo vanoti CPU iri kushanda zvakasimba kuti hurongwa uhu hukurumidze kupera, uye kuti vanhu vatange kuita mabasa ekuzviriritira muhupenyu hwavo.

"Mvura ichatanga zvayo kunaya asi tinotarisira kuti kana kuvaka kwatanga tichatsvagawo mazano atingaita kuti tikurumidze. Nekuti mapurani adzo avepo, zvekuvaka zvavepo. Vekutanga vatinotarisira kubatsira ndeavo vanogara mumatende, ma child-headed families, kune the elderly nevari physically-challenged. Vese ivavo tinovapa priority, vadaro VaNkomo

Hurumende haina kunyatsobuda pachena kuti vanhu vachatanga kugara riini munzvimbo itsva idzi.

Pasi pechirongwa chehurumende mhuri dzinodarika mazana manomwe ndidzo dzichavakirwa dzimba zvechimbi chimbi.

Mumwe wevanhu vasisiri kuda kuramba vachigara mumatende avari, Amai Emma Dube, vanoti vanofara kuenda kunotanga hupenyu hutsva panzvimbo yakadzikama.

"Chatinoda chete kuti tigariswe panzvimbo pane mutsigo, pane dzimba dzakanaka, panowanikwa zvikoro, zvipatara vana vachiwana zvavanoda kuitira kufambira mberi," vadaro Amai Dube.

Mumwe mugari wepaNgangu Holding Camp, Amai Prisca Mutema, vanobvumirana nemashoko aAmai Dube.

Amai Mutema vanoti hazvibatsiri kuramba vari paNgangu sezvo nzvimbo iyi isisina kukodzera kuti irambe ichigarwa nevanhu.

Vanhu mazana matatu nemakumami mana ane vanomwe vakafa, vamwe vanopfuura zviuru gumi nezvinomwe vakasara vasina pekugara, apo dutumupengo reCyclone Idai rakarova kumatunhu e Manicaland, Masvingo, Mashonaland East nedzimwe nzvimbo dze Midlands pamwe nekuMozambique.

Vanhu mazana matatu ane makumi mana nevana havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

KuChimanimani nekuChipinge ndiko kwakanyanyoparadzwa zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Safari Njema