Dambudziko reMafuta eKufambisa Dzimotokari Rosvika Pakaipisisa

  • Blessing Zulu

Vamwe votengesa mafuta aya pamukoto

Dambudziko rekushomeka kwemafuta edzimotokari rinonzi ratowedzera zvakanyanya izvo zvava kupa kuti mitengo yezvinhu uye mari yekufambisa iwedzerwe kanodarika katatu pane dzimwe nguva.

Vanasorojena vaye varere havo muhapwa dzemakomo havana havo kunge vanyanyopotsa paya pavakati mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye.

Iri ndiro rushava shava rawira Zimbabwe kuti kune vashandi vari kuratidzira, mvura yarambira mudenga, izvo zvava kupa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika.

Mutungamiri wesangano revemabhizimisi, reConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti svondo rino dambudziko rekushomeka kwemafuta ekufambisa dzimotokari ratonyanya kuwedzera.

Mashoko aya atsinhirwawo nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano ravana chpangamazano munyaya dzehupfumi, reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vaimbova mukuru weMISA Zimbabwe, VaRashweat Mukundu, vaudza Studio7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCalvin Mdzingiri, avo vanodzidzisa paUniversity of the Free State kuSouth Africa, vabvuma kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka semaonero avakazviita apo vainge vashanyira Zimbabwe.


VaJabangwe vanotiwo sevemabhizimisi vanoda kuti vagare pasi nehurumende kuti varovanise masoro kuti vapedze dambudziko iri.

VaMukundu vatiwo vamwe vave kutotenga mafuta aya pamukoto nemari iri pamusoro zvikuru.

Gurukota rezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo, vati sezvo vari pazororo havana zvizhinji zvavangataure kunze kwekuti tinzwe kubva kune vakafanobata chigaro chavo, uye vari gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri.

Hatina kukwanisa kunzwa kuna VaShiri, kanawo kuna gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, avo vanopa mari yekunze yekutenga mafuta aya, sezvo vaviri ava vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu