Munyika maita kusawirirana kukuru nechisungo chedare remakurukota chekuda kuvandudzwa mutemo weCriminal Law (Codification Reform) Act kuti vanenge vachiratidzira pachiitwa magungano makuru, kutaura nehurumende dzekunze vachifukura hapwa uye kunyepera kuti vapambwa, vasungwe.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti pane vanhu vari kuunza kutambura munyika nekusvibisa zita renyika izvo zviri kupa kuti hurumende isimbise mitemo yayo.
Asi vanopikisa vanoti chauraya nyika kutonga nedemo uye huori.
Hurumende yaimbenge yatiwo iri kuparura bhiri rinonzi Patriot Bill rayaiti rakafanana nemutemo wekuAmerica weLogan Act unorambidza vanhu kutaura nehurumende dzekunze munyaya dzinofanira kutaurwa nehurumende.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhmbe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mutemo uyu unotyora bumbiro remitemo yenyika.
Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti mutemo uyu wakakosha nekuti pane vamwe vanoda kuita mari nekusvibisa zita renyika.
Your browser doesn’t support HTML5