Dare reHigh Court Rinorasa Nyaya yaBishop Kunonga

Vachipa mutongo wayo, Justice Chinembiri Bhunu vakati Va Kunonga nemagweta avo eChikumbirike and Associates, vakatadza kugutsa dare kuti ndivo vane masimba pazvivakwa zve Anglican church mudunhu re Harare.

Dare repamusoro re High Court neChina rakaramba kutambira chikumbiro chevaimbova Bishop ve Anglican Church mu Harare, Va Nolbert Kunonga, chekuda kurambidza vetenderi veChurch of Province of Central Africa kuti vanamatire mumachechi avo.

Vachipa mutongo wayo, Justice Chinembiri Bhunu vakati VaKunonga nemagweta avo eChikumbirike and Associates, vakatadza kugutsa dare kuti ndivo vane masimba pazvivakwa zve Anglican Church mudunhu re Harare.

Mutongo uyu unoreva kuti vatenderi veChurch of Province of Central Africa vakukwanisa kudzokera kunoshandisa machechi avo umo vainga vadzingwa nemapurisa naVaKunonga vachimirira mutongo wekupedzisira wekuti ndiani ane simba rekutonga chechi iyi nezvivakwa zvayo, Va Kunonga here, kana kuti Bishop Nicholas Chad Gandiya.

Mumwe wevatungamiriri veChurch of Province of Central Africa, Baba Paul Gwese, vanoti zvinorwadza kuti kunyange matare ari kutaura achipikisa VaKunonga, mapurisa anovabvumidza kuita zvavanoda nemachechi e Anglican mu Harare.

Va Gwese vanoti simba rina Va Kunonga munyika rinoshamisa, sezvo vakarambidza kuti kurangarirwa kwegamba guru renyika, muchakabvu Josiah Tongogara, kusaitwa pa Cathedral muHarare nekuti Mai Tongogara vaisada kuti VaKunonga vatungamirire hurongwa uhwu.

VaGwese vanoti izvi zvinoita kuti vasava nechivimbo chekuti vachakwanisa kupinda svondo mumachechi avo nesvondo, sezvo mapurisa ari kuramba achizvidza mitongo yematare.