Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mutongo wabuda mudare re Constitutional Court haurambiki nekuti ndiro dare repamusorosoro munyika.
Asi nyanzvi idzi dzinoti kutmbira mutongo uyu hazvirevi kuti wakanaka.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa ku Kent University, Doctor Alex Magaisa, vanoti dare harina kuzeya nyaya iyi zvakanaka sezvo vatongi vasina kutora mativi ose enyaya zvakaenzana.
Vachipa mutongo wavo, mutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Luke Malaba, vati magweta aVaChamisa akakundikana kuburitsa pachena humbowo hunobatika hunotaridza kuti vakabirirwa musarudzo.
Asi Doctor Magaisa vati magweta aVaChamisa akaita zvese zvavaikwanisa kuita kuratidza divi ravo renyaya chero hazvo vatongi vakati zvavakaisa pamberi pedare hazvina kukwanisa kuratidza huchapupu hwevaitaura.
Vati dare rakazadzisa zvinodiwa pamutemo kuti nyaya iyi ezeyiwe asi harina kuzadzisa zvido zvevanhu.
Doctor Magaisa vatiwo pasvika nyaya iyi zvava kuda kuti vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika kunyanya maviri anokwikwidzana re Zanu PF nereMDC Alliance, vagare pasi vowirirana kuti vashande vese kuitira kuti nyika ienderere mberi zvakanaka sezvo vaine huwandu hwevatsigiri husina kunyanyosiyana
Your browser doesn’t support HTML5