Dare rePamusoro Rinorasa Mhosva Yanga Ichipomerwa VaBennett

  • Thomas Chiripasi

Mubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Leslie Bennett, vawanikwa nedare redzimhosva repamusoro vasina mhosva pamhosva dzavanga vachipomerwa. VaBennett vanga vachipomerwa mhosva yokuronga zvekupidigura hurumende yaVaMugabe muna 2006 pamwe nokukurudzira zvohugandanga.

Vachitura mutongo wavo neMuvhuro, mutongi wedare redzimhosva repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vati hapana humbowo hunonwisa mvura hwakaunzwa kudare nehurumende hunoratidza kuti VaBennett vakapara mhosva dzavanga vachipomerwa.

VaBhunu vati hapana zvakare humbowo hunoratidza kuti VaBennett vakaisa mari mubhuku rekubhanga raVa Peter Michael Hitschmann, mubhanga riri ku Mozambique re Banco Internationale sezvaitaurwa nemuchuchisi wenyaya iyi, Va Johannes Tomana.

Va Bhunu vaenderera mberi vachiti mupurisa akaferefeta nyaya iyi, Superintendent Sipho James Makone, havana kuunza sitatimende yekubhanga kudare yavaiti ndiyo inoratidza kuti VaBennett vakaisa mari inoita zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica mubhuku raVaHitschmann yainzi ndiyo yakashandiswa naVaHitschamann kutenga zvombo zvehondo zvakawanikwa kumba kwaivo VaHitschmann kwaMutare muna 2006.

Mutongi wedare atiwo tsambambozha dzinonzi dzakanyoreranwa pakati paVaBennett naVaHitschmann hadzinyatsojekesa kuti VaBennett vakapara mhosva papi. Vatiwo mapurisa haana kuita basa rawo nemazvo mukuferefeta kuti tsambambozha idzi dzainge dzanyorwa nani. Izvi zvinotevera kuramba kwakaita VaHitschmann tsambambozha idzi, idzo dzinonzi dzaiva mu computer yaivo VaHitschmann payakatorwa nemapurisa.

VaBhunu vashora zvakare mapurisa vachiti hufakazi hwakapihwa naVaHitschmann huri muzvinyorwa pamwe ne video hauna kutorwa nenzira kwayo sezvinodiwa pamutemo, sezvo VaHitschmann vasina kusainiswa magwaro eyambiro kana kuti ma warned and cautioned statements.

Papedza VaBhunu kutura mutongo wavo, vanhu vanga vauya kuzoteerera nyaya iyi, varova mawoko uye mamwe madzimai atanga kuimba achibuda mudare.

Va Bennett vaudza vatori venhau panze pedare kuti vafadzwa nemutongo wedare uyu. Vatiwo kuchenurwa kwavaitwa kunoratidza kuti munhu ari kungoshungurudzwa pasina mhosva yaakapara.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaJohannes Tomana, vati mutongo waVaBhunu unoratidza kuti matare emunyika anoshanda akazvimirira uye vanoremekdza mutongo uyu.

Gweta raVaBennett, Amai Beatrice Mtetwa, vatiwo hurumende yaifanira kunge yakabvisa nyaya iyi kumatare, sezvo zvakanga zviri pachena kuti hapana mhosva yakaparwa naVaBennett.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, avo vanga varimowo mudare, vati kuchenurwa kwaVaBennett kwava kureva kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havasisina chikonzero chekusagadza VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaMugabe vanga vachiti havasi kuzogadza VaBennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima kudzamara vachenurwa nematare edzimhosva pamhosva dzavanga vachipomerwa.

Kusagadzwa kwaVaBennett ndeimwe yenyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, pakati pemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vaimbove mutungamiri weZinasu, VaPromise Mkhwananzi, vanoti zvagara zviri pachena kuti kuti VaBennett hapana mhosva yavakapara.