Dare Rinoti Mifananidzo yeZimRights Ngaidzoserwe neMapurisa

Mutongi wedare repamusoro Justice Samuel Kudya, vapa neChitatu mutongo wekuti mapurisa adzosere mifananidzo yevanhu vakarohwa mumhirizhonga yakaitika munyika nguva shomanani yapfuura iyo akabvuta nechisimba kuDelta Gallery neChipiri masikati.


Vachipa mutongo wavo, VaKudya vatiwo mapurisa anofanira kusiya mifananidzo iyi ichiratidzwa nesangano reZimRights pahurongwa hwavo huri kuparurwa neChitatu manheru muHarare.

Mapurisa akabvuta mifananidzo iyi achiti mimwe yemifananidzo iyi inotaridza mifananidzo yevanhu vasina kufukidza miviri yavo.

Gweta range rakamirira ZimrRghts, Amai Beatrice Mtetwa, vati VaKudya vapa mapurisa awa imwe chete kuti adzosere
mifananidzo iyi. Vatiwo chero mapurisa akada kupikisa mutongo uyu, kuratidzwa kwemifananindzo iyi kunofanirwa kuenderera mberi.

Mapurisa ange achiramba kuti mifanidzo iyi iratidzwe achiti haana chokwadi chekuti vanhu vari pamifananidzo iyi ndeve muZimbabwe here kana kuti veku Democratic Republic of Congo.

Mapurisa ange achitiwo kana chiri chokwadi kuti vanhu ava vakarohwa muZimbabwe vanoda kuongorora kuti chii chakaitika pamwe nekusunga vakavarova vanhu ava.

Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vari pane mimwe yemufananidzo iyi, ndivo vachavhura zviri pamutemo chiitiko isi.

Mukuru wemapurisa muHarare Central District, Chief Superintendent Gwangwava, avo vakapa mvumo yekubvuta mifananidzo iyi, pamwe nekumbochengetedza mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vange varipo papihwa mutongo
uyu.

Zvichakadi, vanotungamira sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vazivisa kuti vemasangano anoshanda akazvimirira munyika havasi kufara nekushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzemasangano aya. Vatiwo vachakwidza nyaya iyi kumuyananisi panyaya yegakava riri muZimbabwe, VaJacob Zuma, mutungamiri we South Africa.

Mune imwewo nyaya, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti nhengo dzayo dziri kusungwa pamwe nekushungurudzwa nemapurisa.

Mumiriri weMDC kuMutasa North, VaDavid Chimbini, vanoti vechidiki veZanu PF vari kushungurudzawo nhengo dzavo mudunhu ravo.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika mu MDC, VaMorgan Komichi, vanoti kunyange hazvo bato ravo riri muhurumende yemubatanidzwa, Zanu PF ichine masimba akawanda kumapurisa pamwe nekumauto.