Dhora reRTGS Rodzika Huremu muMabhanga Richikwira Kusvika pa2.7

  • Blessing Zulu

VaTendai Biti

Dhora reRTGS radzikira huremu zvekare kechipiri kubva zvakatarwa huremu uyu nagavhuna weRBZ Doctor John Mangudya apo vakaparura hurongwa hwekufambswa kwemari.

VaMangudya vainge vati dhora iri ritengeswe ne 2.5 (1:2.5) padhora rekuAmerica mumabhanga asi nemusi weChina range rakwira kusvika pa2.7.

Pamukoto dhora rekuAmerica riri kutengeswa ne 3.6 kusvika ku3.8. Vaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti vanoti izvi hazvifashamise uye vayambira kuti zvinhu zvakasagadziriswa munyaya dzezvematongerwo enyika dhora richaramba richishaya simba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti

Asi muzvinabhizmisi vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda vanoti zvchatora nguva kuti RTGS rinyatsogadzikane asi vati hurumende iri mugwara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGilbert Mponda