Magweta ari kumirira vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Peter Gabriel Magombeyi, anoti aenda kudare redzimhosva kuitira kuti ripe mumwe mutongo unorambidza mapurisa kuchengetedza Dr Magombeyi.
Izvi zvinotevera kuzvidzwa kwemumwe mutongo wakaturwa naVaHappias Zhou nemusi weChipiri, vachiti mapurisa haana bvumo yekurambidza Dr. Magombeyi, kubuda muchipatara cheAvenues Clinic, kuitira kuti vanorapwa kuSouth Africa.
VaAlec Muchadehama vanoti vari kuendesa magwaro avo kudare redzimhosva chero nguva sezvo matare asingavhare. VaMuchadehama vanoti zviri kuitwa nemapurisa zvinoburitsa pachena kuti Dr. Magombeyi vatove mumaoko emapurisa zvisiri pamutemo.
Dr. Magombeyi vakapambwa musi wa 14 Gunyana nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti varipi, vakazonekwa vari kuNyabira musi waGunyana 19, 2019.
VaMagombeyi vaive pamberi pekukurudzira vanachiremba kuti vasaende kubasa sezvo mari dzavari kutambira dzisiri kukwana.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaudza Studio7 kuti Dr. Magombe vakange vasiri muhusungwa.
Asi hazvisati zvava kuzivikanwa kuti seyi mapurisa ava kurambidzaa kuti Dr. Magombeyi kuti vabude muchipatara mavari.
Your browser doesn’t support HTML5