VaTrump Vokweshana naVaBiden Musarudzo yeMutungamiri weAmerica neChipiri

Donald Trump and Joe Biden combo

Apo zuva resarudzo yemutungamiri weAmerica riri kusvika nemusi we Chipiri, vari kumirira bato reDemocratic Party musarudzo iyi, Va Joe Biden, vari kutungamira zvishoma muongororo dziri kuitwa munyika yose, vari pamberi pemumiriri we Republican Party musarudzo iyi, uye vari mutungamiri we America pari zvino, Va Donald Trump.

Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi masere nemaviri vanonzi vakatovhota kare, vamwe vachishandisa posvo, vamwe vachivhotera munzvimbo dzekuvhotera mumatunhu avo anobvumidza kuvhota zuva resarudzo risati rasvika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi pa Friends University, mudunhu reKansas, Professor Moses Rumano, vanoti sarudzo dzemuAmerica dziri kuitwa vanhu vakasununguka kunyange vari kukwikwidzana ava vaine rionero yakasiyana zvakadzama.

Professor Rumano vanoti vanoona gwara reAmerica rinobata nyika dzekunze richishanduka zvikuru kana VaTrump vakavhoterwa kuti vapinde mutemu yechipiri.

Election 2020 Trump Apocalypse

VaTrump vakakunda Amai Hilary Clinton musarudzo yakaitwa muna 2016, vakagadzwa semutungamiri mutsva muna Ndira 2017.

Professor Rumano vanotiwo VaBiden, avo vakambove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica kwematemu maviri vachishanda nevaive mutungamiri munguva iyi, uye vari munhu mutema wekutanga kutora basa iri, VaBarack Obama, munhu anofarirwa nevanhu sezvo vaine muonero wakasiyana naVaTrump panyaya yevabvakure vari muAmerica.

Democratic presidential candidate former Vice President Joe Biden gestures while speaking during the second and final presidential debate Thursday, Oct. 22, 2020, at Belmont University in Nashville, Tenn. (AP Photo/Julio Cortez)

Vanotiwo VaTrump vakasarudzwa, vanogona kufarirwa nevemabhizinesi mukubuda nehurongwa hwekusimbaradza nyaya dzemabhizinesi ayo avhiringwa zvakanyanya nechirwere cheCovid-19, icho chaparadza hupfumi hwenyika pasi rose.

Professor Rumano vanoti vanoona VaBiden vachibatanidza vanhu vose vemuAmerica pasina kuti uri mutema, muchena, mubvakure here kana ani zvake, sezvo gwara iri, ragara riri rebato reDemocratic Party.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMoses Rumano