Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chiri kugara muBritain Engineer Irvine Nyamapfene chiri kutendwa zvikuru nekutungamira hurongwa hweguta reLondon hwekugadzira mabhazi anoshandisa simba remagetsi kwete peturu nedhiziri senzira yekumisa kushanduka kwemamiriro ekunze nekusvibiswa kwemweya wekufema.
Engineer Nyamapfene vakapihwawo mubayiro nekambani ine mukurumbira zvakanyanya munyika iyi yeUK Power Networks nezvemabasa avari kuita.
VaNyamapfene vakadzidza paUniversity of Zimbabwe vakamboshandawo kuZESA vachiita zvemagetsi.
Engineer Nyamapfene vaudza Studio 7 kuti vakazvipira kushanda nevamwe muZimbabwe kuunza hurongwa hwemabhazi anoshandisa simba remagetsi munyika asi vakati nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagetsi inopa kuti zvinetse kugadzira mabhazi asingashandise peturu nedhiziri aya.
Your browser doesn’t support HTML5