EU Yotanga Kupa Hurumende yeZimbabwe Mari yeBudiriro?

  • Blessing Zulu

Mubatanidzwa wenyika dzemuEuropean Union uri kutarisirwa mumazuva mashoma kunyorerana pasi chibvumirano cheNational Indicative Program chichaona EU ichipa hurumende yeZimbabwe rubatsiro rwemari inosvika mazana maviri nemakumi matanhatu nematanhatu emamiriyoni emadhora.

Mumiriri we EU muZimbabwe, VaPhillipe Van Damme, vanoti homwe yesangano ravo iyi ichabatsira Zimbabwe kwemakore mashanu.

Vanoti mari yekutanga iri kuenda kuzvirongwa zvakaita sekuzadzikisa zviga zvebumbiro remitemo nezvehutano.

Hurumende yange yave nemakore gumi nematatu isingapihwe mari ne EU mushure mekutemerwa zvirango ichipomerwa mhosva yekubirira sarudzo uye kutyora kodzero dzevanhu.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kudyidzana kweZimbabwe ne EU uku kuchatopa kuti hurumende yeZimbabwe iite madiro ajojina ichitadza kuremekedza kodzero dzevanhu.

VaVan Damme vanoti vanoona kudyidzana neZimbabwe kuchivapa mukana wekuti vaikurudzire kuvandudza zvinhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nhengo yebhodhi reZimbabwe Democracy Institute, VaRashweat Mukundu, vanoti EU haifanire kungosungirira mari pagumbo rengwe asi kuti inofanira kuona kuti Zimbabwe yatanga yaremekedza kodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRashweat Mukundu