Gurukota reDunhu reMasvingo VaChadzamira Voferefetwa neZACC neNyaya yeHuori

  • Blessing Zulu

Mutauriri wekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission VaJohn Makamure vaudza Studio 7 kuti gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira vakambodaidzwa kumahofisi avo vakabvunzurudzwa nenyaya yehuori yavari kupomerwa. VaMakamure vati vave pedyo nekupeta kuferefeta nyaya iyi uye vari kushandawo nehofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanotiwo VaChadzamira vari kupomerwa mhosva yekuita huori panyaya yekupa vanhu minda yekurima nzimbe kuChiredzi.

Muna Kubvumbi, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakaudza VaChadzamira kuti vagovere zvakanaka minda yenzimbe yeKilimanjaro Project kuHippo Valley Estates yakatora mamiriyoni makumi mana kana kuti 40 million united states dollars kugadzirwa nekamban yeTongaat Hullet. Kambani iyi inoti yaiitira chirongwa ichi hurumende.

Minda yakawanda inonzi yakapihwa hama neshamwari dzaVaChadzamira uye vakuru veZanu-pf mudunhu iri. Gweta raVaChadzamira, VaCharles Ndlovu vakaramba kutaura neStudio 7 nezvenyaya pavakabatwa panharembozha yavo.