VaMukonoweshuro Vanoti Ndivo Chete Vanotaura Vakamirira Hurumende paVashandi Vayo

Eliphas Mukonoweshuro

Gurukota rezvevashandi vehurumende, va Elphas Mukonoweshuro, vanoti hurumende haisati yabuda nechisungo chekuti ichawedzera here kana kuti kwete mihoro yevashandi vayo.

Mashoko aVaMukonoweshuro anopikisana mashoko egurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vakati hurumende haisi kuwedzera vashandi mari sezvo isina.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau neChina, Va Mukonoweshuro vakati chokwadi chiripo ndechekuti hurumende haina danho rayati yatora panyaya yemihoro. VaMukonoweshuro vakatiwo ivo ndivo gurukota rinotaura nezvevashandi vehurumende, uye hakuna rimwe gurukota rehurumende rinotaura nezvevashandi vari pasi pavo.

VaMukonoweshuro vakatiwo makurukota haafanirwe kupindira zvinoitika mumapazi evamwe, sezvo izvi zvichizokonzera kusagadzikana mumapazi ehurumende.

Svondo rino gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakati hurumende haina mari, nokudaro vashandi havasi kuwedzerwa mari. Izvi zvakagumbura masangano evashandi achiti VaBiti vakanga vadongorera mugapu risiri ravo.

Vanotungamirira sangano revashandi reZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti VaBiti vaisungirwa kutanga vataura naVaMukonoweshuro vasati vazivisa nyaya yokuti hurumende yambomisa kuwedzera vashandi mari vachiti ivo sesangano matsananguriro ari kuita VaMukonoweshuro mamiriro ezvinhu, ndiwo avanoziva.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, Va Rejoice Ngwenya, vanoti kupokana kwakadai hakurevi kuti vaviri ava vanovengana. VaNgwenya vanoti izvi zvinoratidza kuti vane pfungwa dzakasiyana panyaya yemafambisirwo ezvinhu.

Sangano reZCTU rakanyunyuta zvikuru panyaya yokuti hurumende yamisa kuwedzerwa vashandi vayo mari kusvikira mamiriro ehupfumi hwenyika hwanaka.

Sangano iri rakayambira hurumende pachiitiko ichi kuti ikaenderera mberi nematanho aya, isina kutaurirana navo, vashandi vaizoratidzira.

Mutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, vakaudza vashandi pazuva rekucherechedza vashandi pasi rose kuti hurumende haisati yabuda nechisungo chekuti vashandi vachawedzerwa mari dzavo here kana kuti kwete.

Imwe nyanzvi munyaya dzevashandi, uye vari mudzidzisi wezvemitemo paUniversity of Zimbabwe, VaLovemore Madhuku, vanoti bazi rinofanirwa kutaura nyaya dzemihori yevashandi vehurumende ndere Public Service Commission.