Imwe mhuri yemuZimbabwe yaigara kuWestern Cape muSouth Africa iri kutsvaga rubatsiro rwekunoviga hama dzavo ina kumusha kuSanyati mushure mekunge dzapisirwa mumba nemunhu anofungidzirwa kuti chizvarwa chekuSouth Africa.
Mhuri iyi yaigara panhamba 2219 Sanqoba Street Chris Hani Mbekweni kuWestern Cape uye munhu akavamisa anofungidzirwa kuti mumwe muvakidzani wavo ari chizvarwa chekuSouth Africa. Vanonzi vakambonetsana naye kare uye mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.
Vanofungidzirwa kuti vakapisirwa mumba vanoti VaMaxwell Mazungunye, mudzimai wavo Amai Margaret Vare nevana vaviri Miriam naTadiwanashe.
Vamwe vana vatatu vakapona vari muchipatara chePaarl Hospital intensive Care Unit neRed Cross Hospital muCape town sezvo vakakuvara zvakaipisisa.
Mutauriri wemumhuri Muzvare Patience Moyo vanoti kana paine vari kuda kubatsira vanokwanisa kufona panhamba dzinoti 27 730 478 196, 27 842 528 000, vane mari vanokwanisa kuendesa kuNedbank Code 103310 paAccount number inoti 1031995978
Your browser doesn’t support HTML5