Kanzuru yeChinhoyi inoti yakagadzirira kutevedzera zvakaturwa nedare
repamusoro reHigh Court nemusi weMuvhuro zvekuti kanzuru iyi ivake zvivakwa zvayakaputsira vanhu vanotengesa zvinhu zvavo muguta iri.
Vachitaura pamusangano wavaita nevanotengesa vakapwanyirwa zvivakwa zvavo nekanzuru yeChinhoyi, munyori wekanzuru iyi, VaAbel Gotora, vati vachatevedzera mutongo wedare wekuti kanzuru ivake zvivakwa zvekutengesera zvayakapwanyira vamwe vatengesi vakaiendesa kumatare.
Asi VaGotora vati kanzuru haisi kuvaka zvivakwa zvose zvayakapwanya, asi ichavaka chete zvivakwa zvayakanzi nedare repamusoro zvivakwe zvevanhu vatanhatu vakaendesa kanzuru kumatare edzimhosva.
Vanhu vakaendesa kanzuru yeChinhoyi kumatare ndiVaTafadzwa Marimo, VaEmmanuel Ngwaru, VaRichard Svosve, VaPepukayi Marega pamwe naVaDevis Shopo.
Mumwe wevatanhatu ava, VaEmmanuel Gwaru, vati vakatambira mutongo wedare nemufaro mukuru sezvo hurumende yakanga yaudza makanzuru kuti ichenese nzvimbo chete, kwete kupwanya zvivakwa.
VaGwaru vati chimwe chakanyanya kuvarwadza ndechekuti vaibhadhara
mari yekuti kanzuru ivake zvavakwa zvakanaka zvekutengesera.
Kanzura wenzvimbo ine misika yakaputswa yeGadzema, Muzvare Patricia Chibaya, vati vari kufarira mutongo wedare uyu sezvo ivo vanga vari panguva yakaoma nekuti kune rumwe rutivi, sekanzuru, vaifanirwa kutevedzera zvainge zviri mutsamba yakabva kugurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, kuti vachenese maguta, asi panguva imwecheteyo, vachinzwirawo tsitsi vanhu vanorarama nekutengesa vakaputsirwa misika yavo.
VaGotora vazivisa kuti kanzuru ichavaka nzvimbo itsva inotengesera vanhu vanosvika makumi mashanu vaitengesa pamusika weGadzema.
Mutauriri wesangano remagweta ari kumirira vakaputsirwa zvivakwa zvavo ava, re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vati vanotengesa munzvimbo dzakasiyana siyana vari kuuya kumahofisi avo vachida rubatsiro rwekumirirwa mumatare.
Makanzuru akawanda munyika ari kuputsa zvivakwa zvaanoti zvakavakwa zvisiri pamutemo.
Asi vanotengesa munzvimbo dzakasiyana siyana munyika yose vari kupikisa mumatare zviri kuitwa nemakanzuru avo.
Your browser doesn’t support HTML5