VaTsvangirai naVaMugabe Voramba Vachinetsana muHurumende

  • Blessing Zulu

Musangano pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, wange uchifanira kuitwa neMuvhuro wakambomiswa sezvo pachinzi vaviri ava vave makare asionane.

Vatungamiri vemapato matatu ari muhurumende vanofanirwa kusangana Muvhuro wega wega vachikurukura zvinofanirwa kunge zvichiitwa nehurumende yavo yemushandira pamwe. Asi izvi hazvina kuitika sezvo vaviri ava vasiri kuwirirana muzvinhu zvakawanda.

VaMugabe vanonzi vanoti vakagumbuka zvikuru nezvakaitwa naVaTsvangirai, avo vakanyorera European Union ne United Nations, vachidzizivisa kuti VaMugabe vakadoma vamiriri veZimbabwe kumasangano aya vega vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chakaumba hurumende yemubatanidzwa.

VaMugabe vakabva vabuda pachena vachiudza vechidiki vebato ravo kuti hurumende iripo inofanirwa kupera muna Kukadzi gore rinouya, poitwa sarudzo dzakachena.

Asi neChipiri, VaTsvangirai, avo vainge vamboramwa kupinda mudare remakurukota, vakazopinda mumisangano yemakurukota. VaTsvangirai vanoti kudomwa kwakaitwa magavhuna, vatongi vematare, vamwe vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika kwainge kusiri pamutemo sezvo vasina kusumwa sezvinodiwa nechibvumirano chezvematongerwo enyika.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti kunetsana uku ndiko kuri kupa kuti VaMugabe vati paitwe sarudzo gore rinouya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanotiwo VaTsvangirai vanetawo kushanda neZanu-PF ndokusaka vachimboramwa kudyidzana naVaMugabe.

Mumwe ari muchikwata chezvipangamazano zvemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti VaZuma vari kushushikana zvikuru nemakakatanwa aripo muhurumende yemubatanidzwa uye vari kuita nepose pavanogona napo kugadzirisa makakatanwa aya.