Hurongwa hweKunyorwa kweBumbiro Idzva Hovhiringwa neZanu PF kuMaramba-Pfungwe

  • Jonga Kandemiiri

Apo chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chakatarisirwa kutanga nemusi wechitatu, nhengo dze Zanu PF kuMaramba Pfungwe dzinonzi dziri kurambidza nhengo dzeMDC kuita misangano ine chekuita nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.


Izvi zviri kuitwa nemasabhuku, madzishe nemakanzura avo vanonzi vari kutumwa nenhengo dze District Co-ordinating Committee yeZanu PF pamwe nemumiriri weparamende wenzvimbo iyi, VaWashington Musvaire veZanu PF.


Pakasvika Studio7 munzvimbo iyi nemusi weMugovera neSvondo, nhengo dzeMDC dzakati dzainge dzanyorerwa matsamba nemasabhuku dzichinzi hadzibvumidzwe kuita misangano dzisina kupihwa mvumo nemasabhuku.


Studio7 yakaona imwe yetsamba idzi yainge yakanyorewa kumutevedzeri wesachigaro weMDC munzvimbo iyi, VaClayton Mupfava, nasabhuku Nyamukapa vekuMaramba, vachiyambirwa kuti vasaite misangano yezvamatongerwo enyika kana zvebumbiro idzva remitemo pamba pavo.


VaMupfava vanoti vange vave kuita misangano pamba pavo nekuti vari kurambidzwa kuita misangano kune dzimwe nzvimbo nemapurisa.


VaMupfava vanoti vakaenda kumapurisa mushure mekunyorerwa tsamba iyi, asi hapana rubatsiro rwavakwana.


Vanoti kunyange hazvo nhengo dzeMDC munzvimbo iyi dziri kuziva nezvechirongwa chezvekutsvaga pfungwa dzavanhu pabumbiro remitemo, vazhinji vari kutya kuenda kumisangano iyi sezvo vari kunzi vacharangwa kana chirongwa ichi chapera.


Zanu PF inonzi yatangawo zvakare kuita mabhesi uko kuri kudzidziswa vanhu kuita mabasa ekushungurudza pamwe nekuponda vese vasingaitsigiri.


VaChengetanai Chimunhu, avo vanogara muWard 2 kuPfungwe, vanotsanangura nezvemamwe mabhesi ari kuMaramba Pfungwe.


Zvichakadai, mune imwewo nyaya inosuwisa, Zanu PF pamwe nemasabhuku munzvimbo iyi, vari kurambidza veruzhinji kuenda kundufu dzinhengo dzeMDC. Kana pakafa nhengo yeMDC, vemumaraini havabvumidzwi kuenda kurufu urwu, uye vanenge vaenda vanorangwa nekurohwa.


Studio7 yakaenda kurufu rweimwe nhengo yeMDC kwaChitsungo kuPfungwe uko sabhuku Bvumbu Mutekede vakarambidza vagari vemumusha mavo kuenda kurufu rwehama yavo yaitsigira MDC, Chipo Mutekede, uyo akavigwa nemusi weMugovera.


Parufu urwu paive nevanhu vasingasvike makumi maviri apo pakasvika nhengo dze Provincial Executive dzeMDC muMashonaland East, idzo dzaisanganisira nhengo dzeparamende dzinoti VaPiniel Denga vekuMbare, pamwe naVaIan Kay veMarondera Central.


VaDenga vakashora zviri kuitika munzvimbo iyi vachiti vatungumiriri vehurumende yemubatanidzwa vanofanira kuona zvavangaita kugadzirisa nyaya iyi.


Hatina kukwanisa kutaura naVaMusvaire, kanawo Zanu PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Mutauriri weMDC muMashonaland East, VaSilas Gweshe, vaudza Studio7 kuti zviri kuitika kuMaramba Pfungwe zvakatekeshera mudunhu rese uye zvaida kuti nyaya dzemhirizhonga dziregedzwe kuitira kuti bumbiro idzva remitemo yenyika, rinyorwe zvakanaka

Zvichakadaro, hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika huri kutarisirwa kutanga neChitatu svondo rino pasati pajekeswa pamusoro pemutemo wePOSA, uyo unorambidza kuungana kwevanhu vasina mvumo yemapurisa.

Nyaya yekuti mutemo uyu usendekwe ichiri kuzeyiwa mudare remakurukota mushure mekukwidzwa negurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemabasa eparamende, VaEric Matinenga.

Imwe nyaya inonzi ingangokanganisa kuparurwa kwehurongwa uhu, inyaya yemari iri kudiwa nenhengo dzeparamende dzichapinda muchirongwa ichi.

VaMatinenga vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo paine mutemo wePOSA uripo, nyika haingatadzi kunyora bumbiro idzva remitemo.