Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva, hunonzi hwambomiswa muHarare neBulawayo kusvika musi wa 12 Chikunguru. Izvi zvinotevera mashoko ekuti pane vanhu vanga vachida kuvhiringa hurongwa uhu, uye vamwe vanoti vari kuda kuona mitambo ye2010 Fifa World Cup iri kutambirwa kuSouth Africa.
Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, yeParliamentary Select Committee, VaDouglas Mwonzora, vanoti vatora matanho aya kuitira kuti vagari vemunzvimbo idzi vapinde muhurongwa uhu zvisina kutaura nemhirizhonga mukati.
Asi hurongwa uhu huri kuenderera mberi mudzimwe nzvimbo dzemunyika. Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva remitemo yenyika, sezvinodiwa nechibvumirano chekuvaka hurumende yemushandira pamwe.
Bumbiro iri rinofanirwa kunyorwa mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemushandira pamwe.
Kana bumbiro iri rapedza kunyorwa, panofanirwa kuitwa referendamu yekubvunza vanhu kana vachitambira zviri mubumbiri rinenge ranyorwa. Kana vanhu vakatambira bumbiro iri, rinobva raitwa mutemo.
Asi kana vanhu vakaramba kutambira bumbiro rinenge ranyorwa, sarudzo dzinenge dzoitwa pachishandiswa mitemo iripo.