Zvipingaidzo muChirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva

Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chava kutanga musi wa 16 Chikumi, kwete 15 Chikumi, sekurongwa kwazvanga zvakaitwa.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, VaDouglas Mwondzora, vanoti izvi zvakonzerwa nekuti kunenge kune musangano wemakurukota musi wa 15 Chikumi.

VaMwonzora vatiwo rwendo rwuno zvinhu zvichafamba nemugwara, uye havasi kutarisira zvipingaidzo zvakanyanya. Vati vakamisa kutanga chirongwa musi wa15 Chikumi zvichitevera chikumbiro chakapihwa nemamawe makurukota anofanirwa kunge ari panotanga chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, Zimbabwe inofanirwa kunge yava nebumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemubatanidzwa.

Kana hurongwa uhu hwapera, pachaitwa referendamu yekubvunza vanhu kana vachitambira zvinenge zviri mubumbiro idzva iri. Kana izvi zvikatambirwa, bumbiro iri rinobva raendeswa kuparamende kuitira kuti riitwe mutemo.