Hurukuro Dziri Kukokwrwa neStudio 7 ne Media Centre Dzoenderera Mberi muZimbabwe

VOA Zimbabwe - Media Center Townhall

Studio 7 yakabatana neMedia Centre nezuro yakaita hurukuro kuCrowne Plaza muHarare kuzeya mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekutungamira nyika.

Hurukuro iyi yaikokerwa naPraxedese Jeremiah weStudio 7 achibatsirwa nemunyori wemabhuku vari mudzidzisi Doctor Charlton Tsodzo.

Chirongwa ichi chiri kuenda kumatunhu akasiyana siyana veVOA Studio 7 neMedia Centre vachitaura nevanhuwo zvavo uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti vanhu vakapinda muhurongwa uhu vakawana mukana wekutaura zviri kutsi kwemoyo wavo.

Kuzvika parizvino, Studio 7 yakwanisa kuita hurukuro kwaMutoko, Mashonaland East, uye kuChipinde, Manicaland.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Va Enerst Mudzengi